Friday 11 March 2011

Kisimusi muRhodesia (Christmas in Rhodesia)

Zvakanzi nemwanasikana Adley, kutaura maKisimusi ekuRhodesia kuda kunyaradza vana nekuvarangaridza maguto akare. Ichi ichokwadi, matakadyakare haanyaradze mwana.

Eehe matakadyakare haanyaradze mwana asi mumwe musi mwana wacho achati bikayi zvacho zvamakadya tizvionere pamhuno sefodya. Makore apfuura, takati isu ngatiwunganidzeyi mari yokutenga huku, mupunga nezvekunwa. Takatenga makireti emakokokora akasiyana-siyana aiti Fanda, Spareta, Jinjabhiya zvichingodaro. Vana takatengera hembe ndukudziviga.

Musi weKisimusi vana vese vakamuka vakakweshwa makumbo nemisana mumabhavhu aye mahombe anogadzirwa nemapositori. Vapedza vakazorwa mafuta evhaserini. Vapedza kupfeka nguwo dzavo tsaru, vakachigara pasi vonwa tiyinechingwa chaive chakazorwa majarinhi nejamhu dzvuku riye yeSun Jam. Tiyi iyi yakange yabikwa pakafashaidzirwa mvura, masamba, suga nemukaka pamwechete. Vapedza kunwa tiyi, vana vakachidaidzwa kuti vazopfeka nguwo dzavo itsva.

Vakapfeka vakasekerera kunge mapere aona ngwarati yakawa nomusana. Vana vakazvipena, vakazvipena zvakare pamusana pekufara. Kwakazoti zvino zuva rorova nhongonya, vakachikokwa kuti vagare pahukwe. Mbiya dzomupunga nehuku dzakaunzwa. Vana vakakashura mupunga nemasipunu nyama yehuku vakarandabvura. Miromo yati pome-pome nemafuta ainyiminyira. Miromoyo yakananzvirwa ndimi dzikazvirega.

Pwere dzakachiti matumbu fuse-fuse vakuru vakati hamuna chamakaona, gore rino muchaona anonzi machikichori. Mabhodhoro emakokokora akachiunzwa. Vakakakaira gare gare tikaona vobuda panze. Isu takaziva zvedu kuti vainge vonokanda tumatombo mumabhodoro huti aite furu. Taizviziva nokuti tainge tabveko kumhungako.

Kwakazoti zuva rorereka, marhekodzi akaridzwa vana vakapfichuka kutamba. Kana vaye vaisagona kutamba vaingotiwo kwaku kwaku kutomhuka nokufara.

Rechimangwana takazovaudza kuti ndizvo zvaiitwa pamaKisimusi ekuRhodesia. Ndiwo matakdyakare akafadza vana zvokuti nanhasi vose vanoti ngatiiteyi Kisimusi yekuRhodesia gore negore.

No comments: